nhuna dzemoyo- munamato (ORIGINAL WORK)

in poems •  7 years ago 

Munamato

WaMbiru wakati mhaa panhongonya yedenga
Zvamakati garwe haridyi chemupfupi nekuba wani
Huera era hwaigara munyasha tave kutotenga
Avo matura azara nechingwa mikombe newaini
Ndarangarira pfumo remupambi rakambotibaya pakutanga

Kwese kwese imhere mhere
Kuri kushaya yedu moyo paingazorore
Kutsvaka kweashaya kutsvake uta nemugate
Uyuwo Nhokwara oti oona munyikamweya zvee
Nenzungu dzechirikadzi otongonora kuzadza yake hombodo

Tave kungopinda zvitokwadzimba nezvimwe zvinengwena
Tariro iri pakuchema zvimwe tingabate ndoro chena
Ko Chibwe chitedza wafuratirireiko kwedu kuchema
Nyika yasoswa neminzwa urwu rwendo rorema
Ko rako demo haringasimuki here iyi minzwa wangotema

Ndati ndiwire pamabvi ndidutushure iri bundu
kwauri mukwenyi wemhezi yavavira mudumbu
Chimisikidza vafudzi vana Mweya Murumbwana
Vatipe rako zano tirarame mune ramangwana
prayer.jpg

Authors get paid when people like you upvote their post.
If you enjoyed what you read here, create your account today and start earning FREE STEEM!
Sort Order:  

Mwana waamai waita kubika hadyana ye ndyaringo maiwe ... unoshaya kuti woita curate sei kkkk aiwa izvi zvakanakisa.

kkkk..Tinotenda neruuoko rweyamuro maisa mbambo kusimbisa basa rehwunyanduri hwedu